Proverbs 16

1Kuronga kwomwoyo ndekwomunhu,
asi mhinduro yorurimi inobva kuna Jehovha.
2Nzira dzose dzomunhu dzinoita sedzakanaka pakuona kwake,
asi Jehovha anoyera zvinangwa.

3Kumikidza kuna Jehovha chose chaunoita,
ipapo urongwa hwako huchabudirira.

4Jehovha anoitira zvinhu zvose magumo azvo;
kunyange akaipa anomuitira zuva renjodzi.

5Jehovha anovenga vose vane mwoyo inozvikudza.
Zvirokwazvo, havangaregi kurangwa.

6Kubudikidza norudo nokutendeka, chivi chinoyananisirwa,
kubudikidza nokutya Jehovha munhu anorega kuita zvakaipa.

7Kana nzira dzomunhu dzichifadza Jehovha,
anoita kuti kunyange vavengi vake vagarisane naye murugare.

8Zviri nani kuva nezvishoma mukururama,
pane kuva nezvakawanda kwazvo mukusaruramisira.

9Mumwoyo make munhu anoronga gwara rake,
asi Jehovha ndiye anotonga kufamba kwake.

10Miromo yamambo inotaura seinotaura chirevo chaMwari,
uye muromo wake haufaniri kurega kururamisira.

11Zviyero nezvienzaniso zvechokwadi zvinobva kuna Jehovha;
zviyero zvose zviri muhomwe ndiye akazviita.

12Madzimambo anovenga kuita zvakaipa,
nokuti chigaro choushe chinosimbiswa nokururama.

13Madzimambo anofarira miromo inotaura chokwadi;
anoremekedza munhu anotaura chokwadi.

14Kutsamwa kwamambo inhume yorufu,
asi munhu akachenjera anonyaradza kutsamwa uku.

15Kana chiso chamambo chichibwinya, zvinoreva upenyu,
nyasha dzake dzakaita segore remvura panguva yomunakamwe.

16Zviri nani sei kuwana uchenjeri pane goridhe,
kusarudza njere pane sirivha!

17Mugwagwa mukuru wavakarurama unonzvenga zvakaipa;
uye anochengeta nzira yake anochengeta upenyu hwake.

18Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa,
mweya wamanyawi unotangira kuwa.

19Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavakadzvinyirirwa
pane kugoverana zvakapambwa navanozvikudza.

20Ani naani anoteerera kurayirwa achabudirira,
uye akaropafadzwa uyo anovimba naJehovha.

21Vakachenjera pamwoyo vanonzi ndivo vanonzvera,
uye mashoko akanaka anokurudzira kurayirwa.

22Njere itsime roupenyu kuna avo vanadzo,
asi upenzi hunouyisa kurangwa kumapenzi.

23Mwoyo womunhu akachenjera unotungamirira muromo wake,
uye miromo yake inokurudzira kurayirwa.

24Mashoko anofadza akafanana nezinga rouchi,
anozipa kumweya, anoporesa mapfupa.

25Kune nzira inoita seyakanaka kumunhu,
asi magumo ayo inoenda kurufu.

26Nzara yomushandi inomushandira;
nzara yake inoita kuti arambe achishanda.

27Munhu asina maturo anoronga zvakaipa,
uye matauriro ake akaita somoto unopisa.

28Munhu akatsauka anomutsa kupesana,
uye guhwa rinoparadzanisa shamwari dzepedyo.

29Munhu anoita nechisimba anonyengera muvakidzani wake,
uye anomufambisa napanzira isina kunaka.

30Uyo anochonya nameso ake ari kuronga zvakaipa;
uyo anoruma miromo yake ari kuda kuita zvakaipa.

31Bvudzi rakachena ikorona yakaisvonaka;
inowanikwa noupenyu hwakarurama.

32Zviri nani kuva munhu ane mwoyo murefu pane kuva murwi,
munhu anozvibata pakutsamwa kwake ari nani pane uyo anotapa guta.

33Mujenya unokandirwa pamakumbo,
asi zvirevo zvose zvinobva kuna Jehovha.
Copyright information for SnaBDSC